Bhaibheri

Ndiani Uyo Mambo Mutivi

UMC Nziyo 121

1

Ndiani uyu Mambo mutivi Anogugudza kuti apinde, Chinotaureyi chiremba cheminzwa Anotidaidzira.

Chorus

Inzwai izwi raJesu kunemi Wakatambudzikira zvizhinji, Chinotaureyi chiremba cheminzwa Vana muzarirei.

2

Munofireyi, muri mudima, Neyi musikamuzarurire? Jesu shamwari yevese vatadzi, Muzarurirei zvino.

3

Neiko muchipfiga misuwo? Muzarurirei nekukasika Muzarurirei asati aenda, Muti, Pindai Mambo.

4

M'ponesi, ndinonyara zvikuru, Makamirira aya makore, Ndazarurira musuwo kunemi, Pindai mumwoyo wangu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.