Bhaibheri

Mwari Wedenga Dzvene

UMC Nziyo 135

1

Mwari wedenga dzvene Baba wevanhu vese, Tinangisei nhasi Muve netsitsi kunesu.

Chorus

Baba wedu Ivai netsitsi kunesu, Tiri mudima rekusaiziva Ivai netsitsi kunesu.

2

Takamusiya kare, Takasarura kuipa, Tinodzokera nhasi Kuzodzitsvaka nyasha.

3

Tochiregera zvinhu Zvinokuvadza vanhu, Tiri kumukumbira Kuti tisunungurwe.

4

Tiri kuwona imi, Tiri kutenda imi, Toda kugara nemi, Toda kufamba nemi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.