Jesu Tenzi Ndiri Bofu
UMC Nziyo 136
1
Jesu Tenzi ndiri bofu Mune mwoyo wangu, Ndinodisa nyasha dzenyu Kuti ndimuwone.
2
Mwoyo wangu mukukutu, Upfavisei, Tenzi, Mundipewo mwoyo mutsva, Mwoyo wakanaka.
3
Ngandizive imi, chete, Mune simba rese, Rekundipa mwoyo kwawo, Kufanana nemi.
4
Ndakabarwa mune dima Nemukusaiziva, Asi zvino ndinowona Imi ruveneko.
5
Ndochitenda kuti zvino Ndinofara nemi, Garai neni nguva dzese Kuti ndisatadze
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.