Neni Handikurasi
UMC Nziyo 138
1
Neni handikurasi nekuti wapinduka Kuipa kwasukiwa chienda nerufaro.
Chorus
Neni handikurasi chienda upembere Imba ukudze chienda usazotadzezveba.
2
Neni handikurasi, nekuti wadaira, Hakuna kuraswaba kweavo vanondida.
3
Neni handikurasi, ndakabva kuna Baba, Nepamusana pako, nekuti anokuda.
4
Neni handikurasi, chikudza Baba wako NeMurumbwana wake neMweya wakachena.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.