Bhaibheri

Jesu Maidisa Mwoyo Wangu

UMC Nziyo 139

1

Jesu maidisa mwoyo wangu kwazvo Apo ndaisaziva kuti ndakashata, Ndanga ndakaraswa apo ndaichema Imi mukandida mukandiponesa.

2

Zvino ndazoziva kuti mune zvese, Munokomborera vese vanomuda; Imi muri tsime reupenyu hwangu, Ngandiimwe, Tenzi, kuti ndisazofa.

3

Ndinoona ndimi tsitsi dzakakwana Kundisunungura zvinyangadzo zvangu; Kutendeka kwangu kuri pane imi, Ndichengetei, Tenzi nekusingaperi.

4

Ndimi mubatsiri, ndinomubatisa, Ndimi muri M'tsvene, ndinomutevera; Ndimi Muponesi, ndinomushandira, Ndimi mune simba rakakwana rangu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.