Bhaibheri

Baba Wedu Tinofara

UMC Nziyo 14

1

Baba vedu tinofara kuva pano Nyamusi, Mumba yenyu nzvimbo tsvene Kumukudza Mambo wedu. Zviro zvese zvakanaka Zvinopiwa kunesu, Kuti tese timudise Nekufara zvikuru.

2

Mangwanani neusiku Tinomupa zvitendo Nezvekudya nezvekumwa Nemachira akanaka; Misi yese tinotenda Nekudzidza zvizhinji, Neupandu hwakupera Tese takomborerwa.

3

Tinokoya ndimi, Jesu, Hamusakambotadza, Hamusakatitadzira, Nguva dzese munotendwa; Muri idi, muri nzira, Munovakomborera Vese avo vanomuda Nekumuteerera.

4

Ndizvo tinomukumbira Kuti tisandureyi, Tide zvinhu zvakanaka Nekuvenga zvakaipa; Baba M'tsvene, tinodisa Mwoyo yakafanira Rudo rwenyu rwakanaka, Urwo rwakatifira.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.