Jesu Anomuda
UMC Nziyo 163
1
Nounyoro Jesu anokudana Kudana imi neni, Onai anokumirira iwe Nekutarisira.
Chorus
Uyai Uyai imi Makatambudzwa uyai zvino, Nesimba nerudo Jesu wodana Kudana imi huyai.
2
Tichamirirei Ishe wodana? Kudana imi huyai Tichagarirei tisina nyasha? Nyasha pamusoro pedu.
3
Nguva yotiza, musi wopfuura Kubva kunemi neni Mumvuri wouya nenhowo yorufu Pamusoro pe'mi neni.
4
Kugamuchira rudo rwakakomba Takavimbiswa narwo Kunyange takatadza, 'ne nyasha Ruregerero rwedu.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.