Bhaibheri

Tambirayi Mweya Wangu

UMC Nziyo 164

1

Tambirayi mweya wangu ndokupirai upenyu Tambirai misi yese ngaikurumidze 'She, Mutambire mawoko aite basa renyu Tambirai tsoka Ishe kuti dzikumhanyirei.

2

Tambirai izwi rangu, riimbire She wangu Mutambire miromo, iparidzire Mambo Mari yangu tambirai, pasina chandasiya Tambirai ndangariro, chiitai basa nayo.

3

Tambirai kuda kwangu, kuti kusave kwangu Zvino tambirai mwoyo, chive chigaro chenyu Tambirai rudo rwangu, ndokupai pfuma dzangu Munditambire Ishe, nguva isingaperi

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.