Ndinouya Nemasoko
UMC Nziyo 168
1
Ndinouya nemasoko erudo Masoko akakomba edi, Kuti Baba vakatida zvikuru Anofara kuponesa tese.
Chorus
Munangisei hama dzangu Muna Muponesi zvino, Uyo anotenda iye apone Munangisei hama dzangu mese.
2
Ndinouya nemashoko kunemi Mashoko akanaka enyu, Kuti Kristu, wakafira vatadzi, Munangise anomuponesa.
3
Jesu Kristu wakandisunungura, Upenyu hwake akandipa, Ndakatenda izwi rake mumwoyo, Mweya wangu wakapona ndiye.
4
Nhasi, kuti uchimunangisa Mumwoyo nekufunga kwese, Uchiuya kuna iye nerudo, Jesu Kristu anokuponesa.
5
Kuti uchiramba Jesu M'ponesi Nerudo rwake rwakadai, Ungapone seyi musi mukuru, Musi anotonga vanhu vese?
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.