Basa rangu Rese
UMC Nziyo 169
1
Basa rangu rese nekuchema kwangu Nekunaka Kwangu, Izvi hazvigoni kuti ndiponeswe.
Chorus
Asi Jesu chete ndiye anoita Kuti ndichimupa mwoyo wangu wese.
2
Zvipo zvangu zvese nekuziva kwangu Neshamwari dzangu, Izvi hazvigoni kuti ndiponeswe.
3
Rupinduko rwangu neungwaru hwangu Nemasimba angu, Izvi hazvigoni kuti ndiponeswe.
4
Asi nerutendo kuna Jesu Kristu Nekumutevera, Izvi ndizvo, chete, zvingandiponesa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.