Mwari Wakadisa Pasi
UMC Nziyo 171
1
Mwari wakadisa pasi Wakaripa mwana wake, Kuti vese vanomuda Vachazoponeswa naye.
Chorus
Haleluya haleluya Jesu ndiM'ponesi wedu, Anondiponesa diko Ndinomugarira Jesu.
2
Vanhu vese vari pasi, Vatema nevachena, Nemarudzi evachena, Vane ropa rimwe chete.
3
Jesu wakafira vese Kuponesa ndudzi dzese, Ndizvo tinofara zvino, Mwari ndiye Baba wedu.
4
Ngatidane vanhu vese, Ngatikudze Baba wedu, Ngatiite vanhu kwavo, Ndizvo tinokomborerwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.