Ndinoshama Misi Yese
UMC Nziyo 172
1
Ndinoshama misi yese Ne'rwo rudo rwaJehova, Zvotanga tiri kunga hwai Dzakarasa gwara.
Chorus
Wandida wandida wandida zvirokwazvo Zvoakafira pam'chinjiko kuponesa ini.
2
Ndinoshama nezvirwadzo zvake, Kristu pam'chinjiko, Nemazwi ake akanaka Kune mhandu dzake.
3
Ndinoshamazve nekuti Kristu Wakafira mhosva, Dzainga dzisi mhosva dzake, Asi dzedu vanhu.
4
Ndinoshamazve neruponeso Rwakaitwa naye, Zvitadzo zvangu ndakabvuma, Ndikasunungurwa.
5
Ndinoshama kuti Muponesi Wakafira ini, Nekuti handifaniriba Kuponeswa naye.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.