Bhaibheri

Hakuna Hama Kupinda Jesu

UMC Nziyo 175

1

Hakuna hama kupinda Jesu Hakunaba hakuchina, Hakuna umwe kurapa vese Hakunaba hakuchina.

Chorus

Jesu ndiye shamwari yedu Anonatsa kutungamira, Hakuna umwe kupinda Jesu Hakunaba hakuchina.

2

Hakuna umwe mukuru zveba, Hakunaba, hakuchina, Hakuna umwe mununudziri, Hakunaba, hakuchina.

3

Hakuna chipo chikuru zveba, Hakunaba, hakuchina, Hakuna umwe kurapa mwoyo, Hakunaba, hakuchina.

4

Hakuna nguva tisikawonwi, Hakunaba, hakuchina, Hapana nzvimbo asikazivi, Hakunaba, hakuchina.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.