Bhaibheri

Hakuna Zita Kunga Jesu

UMC Nziyo 176

1

Hakuna zita kunga Jesu Kana nekudenga, Hakuna rimwe rakadaro Zita raM'ponesi.

Chorus

Tinoda kuimbira Jesu Tichimupa mbiri, Nekuti hatizivi zita Rinokunda iri.

2

NdiJesu wakafira tese, Wakatida kwazvo, Zvotanga takaraswa tese Nezvitadzo zvedu.

3

NdiJesu wakaita nyasha, Takamukanganwa, Wakati, "Enda hako mwana, Usazotadzezve."

4

NdiJesu wakatiudzira Kutunhidza Mwari, Nekusarudza vashamwari Vakanaka chete.

5

NdiJesu anorapa vanhu Anovasimbisa, NdiJesu anomutsa vafi Kune hama dzavo.

6

NdiJesu anoenda nesu Kwese tinoenda, NdiJesu anotibatsira Muupenyu hwedu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.