Ndinoda Iyi Nyaya
UMC Nziyo 177
1
Ndinoda iyi nyaya Yezvinhu zvekudenga, Zvembiri yake Jesu Zverudo rwake iye. Ndinoda iyi nyaya Nekuti iri idi, Kugutsa mwoyo wangu Nepfungwa dzangu dzese.
Chorus
Ndinoda iyi nyaya yaJesu M'ponesi Yekuti vakauya kufira vanhu vese.
2
Ndinoda iyi nyaya Nekuti yakanaka Kupinda zvese pasi, Kupinda pfuma dzedu; Ndinoda iyi nyaya Yekutondedzwa ndiyo, Mupfuma dzemunyika Ndakange ndakanyura.
3
Ndinoda iyi nyaya, Yondipa rushingiso Murwendo pasi pano, Murwendo rwekudenga; Ndinoda iyi nyaya Kutaurira vamwe Neshoko reupenyu Kunyika dzese dzese.
4
Ndinoda iyi nyaya, Kupinda dzimwe dzese. Ndinonzwa ndine nzara Yeiyi nyaya huru; Yogutsa mwoyo wangu, Ndinoda iyi nyaya, YaJesu Mambo wangu, Kufanza kune vamwe.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.