Vanhu Vese Pasi Pano
UMC Nziyo 181
1
Vanhu vese pasi pano Vaigara mune dima, Havaisaziva mwenje Havaisaziva Jesu.
Chorus
Asi Mwari wakatida Nekutuma mwana wake, Koponesa vese avo Vanodisa kuponeswa.
2
Jesu Kristu mweya wedi Wekuvenekera pasi, Anokoka vanhu vese Kutambira ruponeso.
3
Avo vakazvirereka, Vakarasa izvo zviro Zvaitungamidza pasi, Vakabuda mune dima.
4
Zvino tinofara kwazvo Nekuziva ruponeso, Nekugara zvakanaka, Nekuimba, Haleluya.
5
Korasi: (mumashure me vesi 4): Haleluya! Haleluya! Jesu wakauya pasi Kuveneka nyika yedu, Kuponesa vanhu vese.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.