Bhaibheri

Ndoimbira Mununuri

UMC Nziyo 182

1

Ndoimbira mununuri Nerwo rudo rwakakomba, Wakaroverwa pamuti Kuti vese vaponeswe.

Chorus

Ndinofara kumukudza Uyo wakandinunura, Pam'chinjiko wakafira Kuponesa vasungwa.

2

Ndoimbira Mununuri Nedzo nyasha ndakawona Zvino ndiri wake Jesu, Uyo wakandinunudza.

3

Ndoimbira Mununuri Nero simba rake guru, Wakakunda kufa kwake, Wakamutswa zvemukufa.

4

Ndoimbira Mununuri Nerwo ruponeso rwake, Ndakapiwa mwoyo mutsva, Wekuita zvakanaka.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.