Bhaibheri

Ndakabarwa Mune Dima

UMC Nziyo 183

1

Ndakabarwa mune dima rekusaziva Mwari, Ndikaita miitiro Yakashata zvirokwazvo. Asi kwakauya mumwe Nemasoko akanaka, Kuti jesu wakafira Kuponesa vanyangadzi.

Chorus

Zvino mwoyo wangu unofara Ndaponeswa misi yese, Nzira dzangu dzendoita Dzinofadza Tenzi wangu.

2

Ndinochema kutondera Miitiro ndakaita, Kukuvadza muviri wangu Mune mweya weupenyu; Asi ndakatenderuka, Ndikabvuma zvinyangadzo, Ndikasiya zvakaipa, Ndikateerera Jesu.

3

Zvino ndine tsime yangu, Ine mvura yeupenyu, Inogutsa mweya wangu, Inondipa simba guru; Zviro zvese zvepanyika Hazvichandikundi kwete, Ndozvitsvaka zviro zvese Zviri pfuma dzekudenga.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.