Bhaibheri

Tinzwe Mbira Dzekudenga

UMC Nziyo 19

1

Tizwe mbira dzekudenga Mazwi neminanzi zvese, Zviri zana remazana Zvinokudza Mwari wedu. Hunde, ndiye Mambo wevamambo Hunde, Tenzi wevatenzi vese, Iye haasakasikwa Haachazogumiba.

2

Rukudziso kuna Mwari, Ngatimuremedze Baba, Ngatiimbe, Haleluya! Ndiye wakasika vanhu; Hunde, vadzimambo mukudzeyi, Hunde, pasi pese mugashirei, Vese, pasi nekudenga, Womberayi Mwari zve.

3

Haleluya, Haleluya! Ngazvinzwike kure kure, Zvinhu zvese zvakasikwa Ngazvikudze Mwari wazvo; Hunde, neumambo ngahufanze, Hunde, kune nzvimbo dzese dzese, Vanhu vese pasi pano Ngavamuremedze zve.

4

Pfuma dzedu tinodzipa Kuna Mwari, Baba wedu, Uyo anowona zvese Ndiye anotichengeta; Hunde, tinotenda Kristu Tenzi, Hunde, tinomubatira basa, Hunde, tinomushandira Nekusingaperi zve.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.