Bhaibheri

Jesu Mutitungamire

UMC Nziyo 223

1

Jesu mutungamire Mutifudze zvakanaka, Tipei kudya misi yese Gadzirayi danga renyu, Jesu Tenzi Jesu Tenzi Tiri venyu takatengwa.

2

Tiri venyu, tibatsirei, Muve Muchengeti wedu, Chengetayi danga renyu, Kuti tisazorasike; Jesu Tenzi, Jesu Tenzi, Muri Muchengti wedu.

3

Ngatitsvake tsitsi dzenyu, Tichiita kuda kwenyu, Ngatifambe misi yese, Pane nzira yakanaka; Jesu Tenzi, Jesu Tenzi, Makatida, tinomuda.

4

Makatsidza kutambira Wese wanokwenzerera; Mune nyasha kuponesa. Mune rudo kune vese; Jesu Tenzi, Jesu Tenzi, Tiwoneyi pasi pano.

5

Tinotsvaka zano renyu Rekugara zvakanaka, Tinodisa rudo rwenyu Rwekuita vanhu kwavo; Jesu Tenzi, Jesu Tenzi, Muri wakanaka imi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.