Shamwari Mugondeki
UMC Nziyo 229
1
Shamwari mugondeki ndiJesu wakanaka Isingandiregi ndichibva mune nzira, Kupukaira ndega ndichibva ndarasika kudai Sekanyemye kari kega musango.
2
NdiJesu anondida miswere yese yese, Ndisawe mumurawu woiswa naSatani; Usiku hwese iye andori kundirwira, Nekundidisa kwake, anongondichengeta.
3
Nemweya wangu, kudza kutendwa kwake Ishe, Uteketese mbiri yaJesu Muponesi; Taura vanhu vese nerudo rwakanaka, Nekuti anovada vese vanyangadzi.
4
Pachangu handinakwo kunakisisa kwake, Ndinoda kucheneswa neropa rake chete; Hakuna mumwe, kwete, obvisa zvinyangadzo, Kutenda kwangu kwese kwasimbiswa naye.
5
Kuedza kwakusvika, nekuti ndinowona Kupenya kwemwoyo wangu kwaakupenya zvino; Rufaro rwangu, Baba, rukudzo rwenyu, Mwari Nekuti ndinowona nyika yenyu iyo.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.