Jesu Muri Muponesi
UMC Nziyo 230
1
Jesu muri Muponesi Munopinda zviro zvese, Pakufamba kwangu kwese Ngandifambe nemi Tenzi. Padyo nemi padyo nemi Padyo nemi padyo nemi, Pakufamba kwangu kwese Ngandifambe nemi Tenzi.
2
Handichadi kuva nyope, Handichadi mari chete, Handichadi pfuma chete, Ngandifambe nemi, Tenzi; Padyo nemi, padyo nemi, Padyo nemi, padyo nemi, Handichadi pfuma chete, Ngandifambe nemi, Tenzi.
3
Munditungamire, Tenzi, Pane nzira dzangu dzese, Munditore muupenyu, Ngandifambe nemi Tenzi; Padyo nemi, padyo nemi, Padyo nemi, padyo nemi, Munditore muupenyu, Ngandifambe nemi, Tenzi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.