Bhaibheri

Jesu Ndishamwari Wedu

UMC Nziyo 239

1

Jesu ndishamwari wedu Mutakuri wakanaka, Tinokomborerwa kwazvo Tine hama yakadai. Kuti tichimukumbira Anofadzwa kupindura, Anotipa zvakanaka Hatichazoshayi chiro.

2

Kuti tine dambudziko Kana tine rurunziro, Hatizovi neurombo, Tinotenda kuna Jesu; Hatiwoni imwe hama Yakanaka kunga iye, Anoziva vanhu vese, Mukumbire, anokunzwa.

3

Kuti tisisine simba, Rekuita basa redu, Jesu anotibatsira, Anotipa simba rake; Kana kuti takatukwa, Tinonyararidzwa ndiye, Jesu ndishamwari yedu, Rudo rwake rwakanaka.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.