Baba Munopiwa Mbiri
UMC Nziyo 25
1
Baba, munopiwa mbiri ngemabasa enyu Zuva pasi nenyeredzi zvinomupa mbiri, Nemakomo nemikana zvinomutunhidza Shiri dzese dzemudenga dzinomuimbira.
2
Zvinhu zvese zvakanaka zvinokudza imi, Nemaruva emusango anomuwonesa; Minda, miti, zviyo, zvese zvinomupa mbiri, Vanhu vese vakanaka vanomutunhidza.
3
Asi munhu ndiye m'kuru kune zvakasikwa Wakakomborerwa kwazvo anotonga zvese; Ndizvo zvakatifanira kuremedza Baba, Uyo wakatisikira zvinhu zvakanaka.
4
M'tsvene imi wekudenga, M'tsvene Mweya M'tsvene, Ruremedzo ruri rwenyu nekusingaperi; Rukudziso kune imi. O Mukuru kwazvo, Tinofara kumukudza Mwari M'tsvene wedi.
5
Mwoyo yedu inozadzwa nemi Mweya M'tsvene, Tinotenda imi, Baba, kuti munotida; Imi mune kuda kwenyu kunopinda kwedu Nekuziva izvo zvinhu zvakatinakira.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.