Bhaibheri

Ndinoshamiswa Kwazvo

UMC Nziyo 26

1

Ndinoshamiswa kwazvo Namabasa makuru, Akaitiwa nemi Ose anorumbidza, Hukuru hwenyu Mwari Hunoshamisa kwazvo.

2

Kana ndarangarira Mabasa okudenga, Kana ndarangarira Mabasa apanyika Inobuda misodzi Kana ndafunga imi.

3

Mwari Vatatumumwe, Itai tikudeyi; Nekuti makatida, Makazotipa Jesu; Matipa Mweya wenyu Wekutisimbaradza.

4

Rumbidza iwe denga! Rumbidza iwe nyika! Rumbidza iwe gungwa! Nesu ngatirumbidze! Uyu musiki wedu, Ano rudo rukuru.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.