Bhaibheri

Jesu M'ponesi Muri Mwari

UMC Nziyo 267

1

Jesu M'ponesi muri Mwari wedi Zvese ndezvenyu pasi nekudenga, Handina chinhuba zvese ndezvenyu Ndiri kufara kuva muchengeti.

2

Ndine urombo kune vamwe vanhu, Vari mudima, havazivi Kristu, Ndizvo ndinoda kuvabatsira, Kuti vazive mwenje weupenyu.

3

Tenzi, ndinoda kupa chipo nhasi, Chipo chekuenda kune nyika dzimwe, Chipo cherudo, kovenekera Vari kusungwa nezvitema zvavo.

4

Chipo ndinacho, chipo chakanaka, Chipo cherudo ndinounza nhasi, Ndoisa pasi pemuchinjiko, Tenzi, ndapota tambirai changu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.