Bhaibheri

Mwari Muri Samasimba

UMC Nziyo 268

1

Mwari muri Samasimba Makasika vanhu vese, Munoziva zviro zvese Munowona nzvimbo dzese. Munotonga pasi pese Munogadza vadzimambo, Ndizvo ndinomuwombera Ndinomutya nguva dzese.

2

Mune dendemaro renyu, Rinogara nekugara, Vanhu vanopera kufa Asi imi hamuzofi; Munogara nguva dzese, Hamusakasikwa imi, Hamuchazoperi imi, Ndizvo ndinomuremedza.

3

Baba, tinoziva kuti Zvinhu zvese ndezvenyu, Tiri vachengeti vazvo, Zvinhu zvese zvatinazvo; Munotipa nekukohwa, Tinopiwa zvipfumbamwe, Basa renyu zhinji pano Rinoitwa nechegumi.

4

Tisanyime zviro zvake, Tinokomborerwa ndiye, Hakuchina Tenzi pasi Wakanaka kunga iye; Ndizvo ngatimuremedze, Ngatiunze zviro zvake, Tidzokese zviro zvake Kufanzisa basa rake.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.