M'ponesi Ndakatsidza
UMC Nziyo 272
1
M'ponesi ndakatsidza Kumushandira basa, Ivai neni padyo Mukuru ndimi Tenzi. Handityi basa renyu Nekuti ndakotseka, O Tenzi wevaTenzi Nditungamireyi.
2
Ivayi padyo neni, Zvitadzo zvava padyo, Ndatanderedzwa ndizvo Munzvimbo dzese dzese; Zviedzo zvinouya Mashure nepamberi. O Jesu, ndipfuweyi, Ndivevo padyo nemi.
3
Ndimunzwe muri padyo Mupfumvu dzeupenyu, Muvevo padyo neni, Mundibatsire Tenzi; Neizwi renyu chete, Taurayi ndisimbiswe, Itayi kuda kwenyu, Chengetayi mwoyo wangu.
4
M'ponesi, makatsidza Kuvatambira vese Vanoda Mwari Baba, Nekumuteerera; M'ponesi, ndakatsidza Kumushandira chese, O Tenzi ndibatsirei, Kusimbiswa nemi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.