Kuita Basa Rake
UMC Nziyo 271
1
Kuita basa rake pano pasi kuda kwedu. Kumufunga misi yese kunotibatsira.
2
Kufamba naM'ponesi wedu, kushandira vamwe, Kuremedza zita rake, kunotibatsira.
3
Kufamba mune nzira iyo Jesu akafamba, Kuda zviro zvese zvake, kunotibatsira.
4
Kuita rudo kune vese, kunga iye, Jesu, Kunzwa izwi rake tsvene, kunotibatsira.
5
Kudenga tinokuwa kwazvo, taponeswa isu, Kune denga tinofara, nekusingaperi.
6
Kuziva dambudziko rake, iro risi rake, Kutya Mwari zvirokwazvo, kunotibatsira.
7
Kuita izvi zvese zvinhu, tiri pasi pano, Tichasvika denga tsvene, iro taitirwa.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.