Bhaibheri

Ngatiende Vadikani

UMC Nziyo 274

1

Ngatiende vadikani Kune munda wake Tenzi, Unodiwa wekurima Ndisamunda wadaidza.

Chorus

Kasikai kuendayo Kune zunde rake Mambo, Enda iyo enda iyo Kune zunde rake Mambo.

2

Jesu wati kuna Pita "Chitevera shure kwangu, Unozovabvuwa vanhu," Kubva mune dima guru.

3

Jesu Tenzi watiudza, "Endai kune pasi pese, Muchiparidzira Izwi Kune ndudzi dzese dzese."

4

Zvino rava jana redu Rekutora iri shoko Kuna ivo vari kure, Vasikamuzivi Tenzi.

5

Jesu wati, "Kumbirayi Vapupuri kuna Ishe, Zvokwasvika kupupura Vashomana vapupuri."

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.