Baba Wedu Samasimba
UMC Nziyo 275
1
Baba wedu Samasimba Taungana pano nhasi, Tiri kuda kupangana Nemabasa enyu nhasi, Isu vachengeti vawo.
2
Tinomukumbira zano Rekutitungamirira, Komborerai basa renyu Nekurisimbisa kwazvo, Tiritore kune vanhu.
3
Mwoyo yedu tazarura Kudzidziswa nemi, Baba, Kuti basa redu rese Rive rakanaka kwazvo, Nekufadza imi, Baba.
4
Hatina zano, Baba, Rekuzvinakisa tega, Tinomukumbira, Baba, Tipeiwo nzero dzenyu Dzekuita basa renyu.
5
Tisakanganweba nhasi Kutondera nguva dzese, Kuti tiri hama dzimwe chete Tina Baba mumwe chete NaM'ponesi umwe chete.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.