Tinotenda Imi Baba
UMC Nziyo 276
1
Tinotenda imi Baba Neukama hwedu nemi, Tinomupawo zvitendo Nero basa makatipa.
Chorus
Asi isu Baba wedu Ngatikomborerwe nemi, Tinomupawo zvitendo Nero basa makatipa.
2
Tinomukumbira kuti Tive vabatsiri venyu, Kusimudza vanhu vedu Nekunyararidza vese.
3
Kuti tine mweya wenyu Tingaita basa renyu, Ndizvo tinomukumbira, Chitishandisayi, Baba.
4
Zvino takagadzirirwa Kutsvakisa varasiki, Tine nyasha nevatadzi, Tinodisa kubatsira.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.