Bhaibheri

Uyai Nyamusi

UMC Nziyo 278

1

Uyai nyamusi vanhu vepasi Madanwa zvino naTenzi M'ponesi, Ari pakati pedu nesimba Wati uyai mese.

Chorus

Zvakanaka kuenda kumusoro Kusongana navo vekudenga, Pamwe naJesu Kristu M'ponesi Kogara navo iyo.

2

Regai vacheche kuti vauye, Ngavafarise nyamusi mumwoyo, Ngavasarudze Mwana waMwari SaMuponesi wavo.

3

Uyai, vabari, musazogare, Songanayi nesu, tifare pamwepo, Ngatimukudze, Mwana waMwari; Uyayi zvino pano.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.