Bhaibheri

Mwoyo Yenyu Ngairege

UMC Nziyo 290

1

Mwoyo yenyu ngairege kuchemera vana Mwari anodisa vana nekuvachengeta

2

Mwoyo yenyu ngairege kungochema chema, Vana vese ndevaMwari, vese vanomuda.

3

Mwoyo yenyu ngairege kungochema chema, Mwari anomupa vana, ndiye anotora.

4

Zvino munacherechedza uyu mwana wafa, Iye watotungamira kuna Baba wedu.

5

Mwoyo yenyu ngairege kuchemera mwana; Muchaenda kuna iye, kuti muchitenda.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.