Kune Nyika Kudenga RaTenzi
UMC Nziyo 291
1
Kune nyika kudenga raTenzi Nerutendo tichazoiwona, Kune musha kudenga raMwari Nerutendo tichandokugara.
Chorus
Kwakanaka ikoko, kune musha waBaba kum'soro Kwakanaka ikoko, kune musha waBaba kum'soro.
2
Apo tinozofara neve'yo Tichaimba zviimbo naivo, Hatichazochemeri vanofa, Asi tinofarisa zvikuru.
3
Tichazvipa zvitendo nembiri, Kuna Baba naJesu kudenga, Towonana nehama dziri'ko, Uko kune upenyu narini.
4
Baba, tine urombo nyamusi Neumweni wabviswa kunesu, Nesu toda kuuya kunemi, Kwakanaka kudenga kunemi.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.