Bhaibheri

Jerusarema Musha Wangu

UMC Nziyo 295

1

Jerusarema musha wangu Musha wakanaka, Kana ndapedza mabasa Ndinoenda kwauri.

2

Ndichauona, rinhiko, Uyo musha wangu? Une dzimba dzakanaka, Nokudya kutsvene.

3

Hapasisina kuipa, Hapana nenhamu Ndinoramba ndichienda Kumusha mutsvene.

4

Ndingatye here kurwadza? Ndingatize kufa? Kwete, ndinenda Kenani, Nyika yandinoda.

5

Vaprofita, vapostori, Vakafira Jesu, Varipo pamwe naKristu, Neni ndichaenda.

6

Jerusarema musha wangu, Wandinotsvakisa! Kana ndasvika kwauri, Ndichafara kwazvo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.