Bhaibheri

Ndinobva Kwamuri

UMC Nziyo 294

1

Ndinobva kwamuri ndoenda kudenga Ndoenda kuimba yaBaba, Mumba yake tsvene imba yorufaro Ndinokugadzirirai nzvimbo.

2

Kana ndichienda, ndinozouyazve, Handikusiyeyi muri moga; Asi ndinozokugamuchirai ini, Kuti mugovapowo pandiri.

3

Iri'zwi raMambo, riri izwi rorufaro, Farai, vaKristu, farai! Ishe wakaenda, asi achadzoka, Apinze kudenga imi mose.

4

Ipapo tinozogara pautsvene, Navazhinjizhinji chokwadi; Tinozoimbawo, tiri pamwe chete, Tichikudza Ishe wokudenga.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.