Bhaibheri

Muzunde Renyu Baba

UMC Nziyo 322

1

Muzunde renyu Baba Mune basa rekuita, Vanhu havazivi imi Vanogara mune dima. Havazivi nzira tsvene Havazivi Jesu Kristu Murumbwana wenyu chete Havazivi rudo rwenyu.

Chorus

Ndiri pano Tenzi nditumeyi Kune avo vanoshaya, Ndiri pano nditumeyi Kune avo vanoshaya.

2

Ndiri pano, nditumeyi Kune avo vanoshaya, Mudikani, Tenzi wangu, Shoko renyu ndingatora; Kana vanhu vandivenga Sezvo imi makavengwa, Kuti muchindituma'yo Ndingafara kushandira.

3

Taurai, Tenzi, shoko renyu, Taurai, Tenzi, ndiri kunzwa, Kuda kwenyu ngakuitwe Sezvo munondiudzira, Ndiudzirei mazwi enyu Kuti ndipe kune vanhu, Ndiudzirei mazwi enyu, Enyu chete, Tenzi wangu.

4

Kuti muchienda neni, Kuti muchindisimbisa, Handizotyi madambudzo Kana basa richikonja; Makatsidza kuva neni Kuti ndichigara nemi; Munamato wangu ndiwo, "Ndiri pano, nditumeyi."

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.