Kuedza Kwazosvika
UMC Nziyo 323
1
Kuedza kwazosvika Kwadzinga dima rese, Vamuka vanhu vese Kudzidza Jesu Kristu. Masoko akanaka Ouya misi yese, Ekuti vanhu vese Vanoda vafundisi.
2
Wonayi vanhu vedu Vakuteura zvino, Nevamwe vari kure Vakuwombera Jesu; Vapwere vakuimba Zviimbo zvakanaka, Vavakuita basa RaMwari, Baba wedu.
3
Wonayi vavazhinji Vanoda kudzidziswa, Kufamba mune nzira Yevanhu vakanaka; Majaha nemandara Vanoda ruponeso, Vababa nevamai Vanoda nzira itsva.
4
Rwasvika ruponeso RwaMwari nyika dzese, Rwofanza kure-kure Kundudzi dzese dzese, Tapota imi, Baba, Pamsana pake Jesu, Kuvaponesa avo Vagere mune dima.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.