Bhaibheri

Ngatikudze Mwari Baba

UMC Nziyo 333

1

Ngatikudze Mwari Baba tichienda tese Wakatipa gore idzva, vakatichengeta.

2

Wakatichengeta, iye, gore rakapfuura, Tese tiri mberi kwake nezvipiko zvedu.

3

Tondera Mwari Baba nguva dzese dzese Mutipewo gore kwaro, rakanakisisa.

4

Tinomutunhidza zvino nemabasa edu, Zvakaipa tiregere, izvo takaita.

5

Ngatirinde, tinamate, gore rinouya, Kuti tese tisatadze kuna Mwari wedu.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.