Tiri Pano Pamwe Tese
UMC Nziyo 334
1
Tiri pano pamwe tese Tachengetwa gore rino, Ngatikudze Mwari wedu NaM'ponesi wedu'zve.
2
Gore rakatipfuura, Takawona madambudzo, Asi takapihwa simba, Hatisakakundwaba.
3
Ndiye Mwari wakanaka Wakatiponesa tese, Tinondongwarirwa naye, Takasviswa naye 'She.
4
Ndizvo ngatitaurirane, Nyasha dzake dzinokwana, Idzo dzinotiponesa Kuti tisatadze zve.
5
Basa rake ngatibate, Tisaneta kuribata, Ngatitsidzirane nhasi, Tisasiya Mwari ba.
6
Tese tinofarisana Kuwonana usu hwedu, Tiri pamwe tese zvino, Nevakuru veduzve.
7
Vamwe vedu vakatorwa, Basa ravo rakapera, Zvino vanowona Mwari, Vanowona Jesu zve.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.