Bhaibheri

Vamai Wakauya

UMC Nziyo 338

1

Vamai vakauya nevana kunaJesu Vachida kuti vana avo vazokomborerwe, Vadzidzi vakavarambidza Vakarambidza kuti "Musauye pano nevana kwaTenzi."

2

M'ponesi wevese haasakafadzwa ndizvo, Wakati kune vataveri nechisepe chake, "Musazodzivisa vadzimai, Ndinodisa vana vese, Ngavauye pano vapwere kuneni."

3

M'ponesi wakati, "Ndinoda vana vese, Nekuti vakawanda iyo kune denga rangu; Umambo hwangu hwekudenga Nehwevakadaro vese, Ngavauye pano vapwere kuneni."

4

Vapwere vazhinji vagere mune dima, Vasikazivi Mwari wedi naM'ponesi wavo, Tofara kutumira ivo Shoko raM'ponesi wedu, "Ngavauye pano vapwere kuneni."

5

Tofara zvikuru kuwona vana vese, Vapiwa kuna Baba wedu naM'ponesi wavo, Ndizvozvo ngativawombeke, Nekuvapavo mazita, "Ngavauye pano vapwere kuneni."

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.