Taurirayi Vana Vose
UMC Nziyo 339
1
Taurirayi vana vose Nebasa raJehovha, Nezvishamiso zvake zvose Panyika nekudenga.
2
Taurirayi vana vose Neuchenjeri hwake, Nerudo rwake rwakakomba Kunesu vanhu vake.
3
Ngavadzidziswe kumukudza Musiki, Samasimba, Vamutondere nguva dzose, Mukuru kune vose.
4
Ngaritakurwe iri shoko Rifanze pasi pose, Vazogashire iyi nyaya Vapwere vamangwana.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.