Bhaibheri

Mbiri Kuna Mwari Zvino

UMC Nziyo 34

1

Mbiri kuna Mwari zvino. Nezvikomborero nhasi, Ndikotseyi Mambo wangu Pausiku hwese uhwu.

2

Ndidzidziseiwo kugara Kuti ndisazotya rufo. Ndidzidziseiwo kuedza Kubatsira vese vanhu.

3

Mundisunungure kuipa Kwandaita kwamuri, Zvino kuti ndikarara Ndipeyiwo ruzororo.

4

Mwari, ndipeyiwo hope Dzakanaka kwazvo zvino, Mundimutse mangwanani Ndiine simba kwazvo.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.