Zvino Kwakuparadzana
UMC Nziyo 35
1
Zvino kwakuparadzana Chisarai imi mese, Mwari amukotse mese Nekumupa nyasha dzake.
2
Zvino, Tenzi, tinotenda Matikomborera muno, Tinoenda tine simba, Tinofara nemi zvino.
3
Zvino taakubuda muno, Fambai nesu kwese kwese, Garai nesu nguva dzese, Simbisayi vanhu venyu.
4
Ngatifambe mukunaka, Ngatiite vanhu kwavo, Tiri umwe kuna Kristu, Mwari ndiye Baba wedu.
5
Izwi renyu raparidzwa Ratigutsa zvakakwana, Idi renyu tagashira, Tinoedza zvorarewa.
6
Tinokudza imi, Tenzi, Nzeve dzedu dzanzwa, Baba Taburirwa izwi renyu, Toda mwoyo inokotsa.
7
Tinotenda, Mwari Baba, Muri Mudzidzisi wedu, Tinomutewera nhasi Nemazuva anouya.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.