Zano Chiro Chakanaka
UMC Nziyo 341
1
Zano chiro chakanaka Tese tinorida kwazvo, Zano haritengwi kwete Chiri chipo chaJehovha.
Chorus
Zano ndega zano ndega Zano ndega wemwanawe, Zano ndega wakatadza Zano pangwa ndiJehovha.
2
Izwi rake rine zano Kusimudza vanhu vese, Riri simba remarudzi, Riri idi remakore.
3
Ne'ro zano tine simba Rekuita zvakanaka, Asi rinouya basi Kune avo vanomuda.
4
Soromoni wakarida, Akarikumbira Mwari, Ndizvo Mwari wakamupa Zano, pfuma, nerukudzo.
5
Apo tinoshaya zano Ngatiuye kuna iye, Uyo ane rakakwana Kupa, kune vanhu vese.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.