Tiri Pano Baba
UMC Nziyo 340
1
Tiri pano Baba kuimbira imi Nekumukumbira hushamwari hwenyu, Hatigoni Baba kumuteerera Ndizvo tinodisa mwoyo mitsva Baba.
2
Kuti kune pfumvu, tinomukumbira, Baba, tipfuweyi, tisatorwe, kwete; Dzidzisayi isu nzira dzakanaka, Nekutsawukira nzira dzakashata.
3
Ngatikure, Baba, sezvo munodisa, Ndizvo tinozova vanhu vakanaka; Tichengetei, Baba, ese'ya makore, Tizosvika unhu, tichimushandira.
Keep reading without a network
The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.