Bhaibheri

Kare Vanhu Venyu Mwari

UMC Nziyo 43

1

Kare vanhu venyu, Mwari vakatambudziwa Asi makavaponesa ngemasimba enyu.

Chorus

Mwari mukuru, Mwari mukuru Baba wedu tese.

2

Vakayiswa mutirongo, vamwe mumajoti, Makavaburitsa imi makavachengeta.

3

Vakadzingwa nemumisha, vakatukwa ivo, Asi makavafadzisa, vakamuda imi.

4

Vamwe vakarohwa kwazvo, vakasekwa ivo, Asi imi, Mwari Baba, makavasimbisa.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.