Bhaibheri

Jehovha Mufudzi Wangu

UMC Nziyo 44

1

Jehovha mufudzi wangu Handichazoshayiba Ndiye anondiradzika Pane mafuro ake.

2

Ndiye anondinyaradza Nekunditungamira Munzira dzakarurama Muzita rake, Tenzi.

3

Handichatyi chinyangadzo; Nhambwe dzose aneni, Ndiye achandinyaradza Nemudondoro wake.

4

Anogadzira tafura Mberi kwemhandu dzangu. Ndizvozvo mukombe wangu Wazara nemafuta.

5

Idi, runako nenyasha Zvichazonditevera. Ndichazogara mudenga Nekusingazoperi.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.