Bhaibheri

Mwari Ishe Zvandinofungidzira

UMC Nziyo 45

1

Mwari Ishe zvandinofungidzira Panyika dzose dzamakasika, Ndonzwa dutu ndinoona nyenyedzi Simba renyu raratidzwa kwose.

Chorus

Ndichaimba M'ponesi 'She wangu Muri m'kuru, Muri m'kuru, Ndichaimba M'ponesi 'She wangu Muri m'kuru, Muri m'kuru

2

Zvondofamba mudondo ramapani, Ndonzwa shiri dzoimba mumiti; Ndichiona kubva pagomo refu, Ndonzwa mvura nokutonhorera.

3

Zvandofunga zvatakapirwa naye, Nokufa kwake, ndinozadziswa; Pam'chinjikwa wanzwa kurema kwangu; Neropa wafira zvivi zvangu.

4

Kristu, achidzokera nokukunda, Wanditora ndichafadzwa sei; Ndichakudza nokukotama hangu, Ndoparidza Ishe uri mukuru.

Keep reading without a network

The free app carries every book, every hymn and seven Bible versions on your phone.